Svetuka kuchirochemo

Mwana Zvichirevei

Kubva Wikipedia

Chinyorwa chino chinounganidza mazwi ane chikamu chokuti mwana chichishandiswa kureva munhu kana zvimwewo. Apa tiri kutarisa kune mimwe mitauro yeChiBantu.

Rurimi rweChuwabo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti mwana mumazwi ari pasi aya rinodudza chinhu chidiki:

  • Mwánámúndda (garden). Apa múndda (field) zvichireva munda.
  • Mwánááaká (n. little cat). Chuwabo vanoti paaka (n.cat) kureva katsi.
  • Mwanampaddo (n. small bench). Apa mpaddo (n. bench) zvichireva bhenji.
  • Mwanańlûgu (n. small stone). Apa nlugu (n. stone) zvichireva ibwe.

Shoko rokuti mwana mumazwi ari pasi aya rinodudza chinhu chezera diki (youth):

  • Mwánámúyaná (n. young woman). Apa muyana (n. woman) zvichireva mukadzi.
  • Mwánánámwâli (n. young lady). Apa námwâli (n. laady) zvichireva mukadzi mudiki.
  • Mwánéénáma (n. animal, offspring). Apa énáma (n. animal) zvichireva mhuka.

Mazwi aya anodudza kuva nhengo yeboka rakadomwa mushure mevara rokuti mwana.

  • Mwánákálâba (old person) - fananidzai nokuti harahwa.
  • Mwánámágulá (n. customer). Chuwabo vanoti magula (customer).
  • Mwánámóóvi (n. assistant). Chuwabo vanoti movi (n. assistant).
  • Mwánámúkatti (n. messenger).
  • Mwánámúlúgu (n. albino). Chuwabo vanoti mulugu (n. god).
  • Mwánámúrâla (n. host).
  • Mwánáwéédda (n. foreigner).
  • Mwánówááni (n. noble person).
  • Mwánámáánddámáni (n. neighbour). Chuwabo vanoti wááddámána (be neighbour).
  • VaLenje vanoti mwana (person) vachireva munhu. Mamwe mazwi: mwanike (child - either boy or girl, son or daughter) vachireva mwana mudiki.
  • VaLenje vanoti mwanakashi (female person) kureva munhukadzi. Mamwe mazwi: mwanalume (male person, husband) kureva munhurume kana murume wemunhu.
  • VaDigo vanoti mwanadamu (n. human) vachireva munhu. Zvichida izwi iri rinobatanidza mwana uye Adam?