Mushonga unodzivirira Meningitis

Kubva Wikipedia

Mushonga unodzivirira chirwere cheMeningitis zvinoreva chero mumwe wemishonga inodzivirira unoshandiswa pakuchengetedza vanhu kubatira utachiona hunonzi Neisseria meningitidis.[1] Mhando dzakasiyana dzawo dzinoshanda chaizvo pakurwisa mhando dzese dzinotevera kana kuti dzimwe dzemeningococcus: A, C, W135, neY. Mishonga inodzivirira yacho inoshanda zviri pakati pe85 ne100% kwenguva inodarika makore maviri.[1] Inoita kuti pave nekuderera kwemeningitis uye kuwanda kwetunhu tudikidiki tunokanganisa mumuviri izvo zvinonzi sepsis pavanhu vakawanda vanenge vashandisa chaizvo mishonga yacho.[2][3] Mishonga yacho inoita zvekuiswa mutsandanyama nejekiseni kana nechepazasi peganda.[1]

Sangano reWorld Health Organization rinokurudzira nyika dzine chirwere ichi zviri pakati nepakati kana kuti zvakanyanya, kana kuti dzinogara dzichiita matenda kuti dzigare dzichipa vanhu mishonga inodzivirira.[1][4] Munyika dziri pangozi isina kunyanya yekuwana chirwere ichi, sangano iri rinokurudzira kuti mapoka evanhu ari pangozi yakakwirira apiwe mishonga inodzivirira.[1] Kana iri nharaunda yemeningitis iri muAfrica zviri kuedzwa kuti vanhu vese vane gore rimwe chete kusvika 30 vapiwe mishonga yemeningococcal A conjugate inodzivirira.[4] MuCanada nemuUnited States zvinokurudzirwa kuti mishonga inodzivirira iyo inoshanda chaizvo pakurwisa mhando ina dzechirwere chacho, igare ichipiwa vari kuyaruka uye vamwe vari pangozi yakakwirira.[1] Zvinonziwo mishonga iyi ipiwe vanenge vachienda kuMecca kuHajj.[1]

Kashoma chaizvo kuti pave nezvakaipa zvinokonzereswa nemishonga iyi. Vamwe vanorwadziwa kana kutsvuka pacho pavanenge vabaiwa nejekiseni.[1] Zvinoratidzikawo kuti kakawanda hapana zvinokanganisika kana ikashandisirwa vanhu vane pamuviri.[4] Zvakaipisisa zvinokonzereswa nemishonga zvinoitika kasingasviki kamwe chete pakupiwa mishonga kunodarika miriyoni.[1]

Mushonga wekutanga pamishonga inodzivirira yemeningitis wakatanga kuwanika kuma 1970.[5] Uripo paMazita Emishonga Inonzi neWorld Health Organization Ndiyo Inokosha, kureva mushonga unonyanyokosha panyaya dzekutarisirwa kweutano.[6] Kana wakawanda unoita pakati pe3.23 ne10.77 USD pamushonga mumwe chete kubvira muna 2014.[7] MuUnited States unoita 100 kusvika ku200 USD pakosi.[8]


  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 1.6 1.7 1.8 "Meningococcal vaccines: WHO position paper" (PDF). Weekly epidemiological record. 47 (86): 521-540. Nov 2011. PMID 22128384.
  2. Patel, M; Lee, CK (25 January 2005). "Polysaccharide vaccines for preventing serogroup A meningococcal meningitis". The Cochrane Database of Systematic Reviews (1): CD001093. PMID 15674874.
  3. Conterno, LO; Silva Filho, CR; Rüggeberg, JU; Heath, PT (19 July 2006). "Conjugate vaccines for preventing meningococcal C meningitis and septicaemia". The Cochrane Database of Systematic Reviews (3): CD001834. PMID 16855979.
  4. 4.0 4.1 4.2 "Meningococcal A conjugate vaccine: updated guidance, February 2015" (PDF). Weekly epidemiological record. 8 (90): 57-68. 20 Feb 2015. PMID 25702330.
  5. Barrett, Alan D.T. (2015). Vaccinology : an essential guide. p. 168. ISBN 9780470656167.
  6. "WHO Model List of EssentialMedicines" (PDF). World Health Organization. October 2013. Retrieved 22 April 2014.
  7. "Vaccine, Meningococcal". International Drug Price Indicator Guide. Retrieved 6 December 2015.
  8. Hamilton, Richart (2015). Tarascon Pocket Pharmacopoeia 2015 Deluxe Lab-Coat Edition. Jones & Bartlett Learning. p. 315. ISBN 9781284057560.