Sarapavana

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMusarapavana)

Sarapavana kana musarapavana ihama inosara yakangwarira vana vasiyiwa vari nherera. Kana vari amai nyakubereka vafa, zvoreva kuti munhukadzi ndiye anoitwa sarapavana achibata chijana chamai. Munhurume anoiteça sarabatana kana baba varivo vafa. Apa sarapavana anenge asiri kunzi ave mukadzi weuyo ashaikirwa, asi kuti anenge achinzwa zvichemo zvevana nokuraira sokunge ndiye mubereki. Musarapavana akaona nhau iri mudariro yamuremera anokwidza kumhuri nehama kuti vabatsire kugadzirisa. Kazhinji sarapavana anosarudzwa musi unogovewa nhumbi dzemufi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]