Mupitse

Kubva Wikipedia

Muhushangazhi hwekuchera mugodhi, mupitse (Shaft in English) zvinoreva gomba rinocherwa chichidzika kuenda pasi. Mupitse ndiro gomba rinopinda nechikepe chinotakura matombo; kunoitawo mumwe mupitse unofamba nechikwera chinotakura vanhu. Mupitse unowanza kudzika wakarurama nepasi; dzimwe nguva unodzika wakaita muteremuko zvichienderana nokuti pacherwa pacho pakamira sei.