Dhaga

From Wikipedia
(Redirected from Munyakwe)
Jump to: navigation, search

Shoko rokuti dhaga rinoreva ivhu ratinotsika tichifamba, rinova ndiro rinomera mbeu, miti nemadzinde akasiyana-siyana. Dhaga rinowanikwa riine ruvara rwakasiyana munzvimbo dzakasiyana; kune jecha, gova, shapa, munyakwe, zvichingodaro. Mumatunhu eDomboshava neMazowe munowanikwa ivhu dzvuku rinonzi gova kana kuti katondo.


Zvakaworera muvhu zvinobva pamadzinde semashizha nemakwati akaworera zvinodanwa kunzi mutsakwani kana matsakwani - humus.

Mhando dzevhu[chinja | edit source]

Munyakwe

Munyakwe (clay kuChirungu)

  • Gova kana chimbangu (red loam soil) apa kureva dhaga dzvuku.
  • Mhukutu (soil on side of, or at foot of a hill, mixed with detritus- generally red) zvichireva dhaga dzvuku rinowanikwa mujinga megomo rakabva pakubvurunyuka kwematombo.
  • Bare (hard black salty soil) dhaga dema iro rionowanikwa munyu mariri. Mudunhu reChiweshe kune musha unonzi Bare.
  • Katondo
  • Dofo (Soft, fertile vlei soil) zvichireva ivhu rakapfava rine mutsakwani.
  • Jecha
  • Munyakwe, chinyakwe, rondo, dongo (clayey soil) imhando yedhaka rakatsetseka rinonamira kana ratoteswa. Dhaka iri rinoshandiswa kuumba hari nezvimwe zviumbwa.
  • Mhamhare kana mamhare (Soil in which thorn trees flourish) apa kureva ivhu rinokudza miti yeminzwa.

Gukuravhu[chinja | edit source]

Shoko rokuti gukuravhu (soil erosion) rinoreva kutakurwa kwevhu kubva panzvimbo pari richikukurwa nemvura yekunaya kana nemhepo. Gukuravhu rinokonzera kuti nzizi nehova dzizare nevhu dzichigumisidza dzapwa sezvakaita rwizi Save mune dzimwe nzvimbo.