Mukombe (chituso)

Kubva Wikipedia

Mukombe (Trophy in English) chishongo chinopiwa munhu kana chikwata chinenge chakunda pamitambo yakadai senhabvu, kumhanya, kushambira nemimwewo. Kazhinji mukombe unopiwa pamwe nemubayiro we mari pamusoro. Avo vanenge vakunda vanotenderwa kuchengeta mukombe kusvikira mamwe makwikwi azoitwazve apo mukombe unosvitswa kune anenge akunda mutsva.