Muhambo weRukamukano
Mashoko anoti Muhambo weRukamukano kana muhambo wakakamuka (relative motion) ari kushandiswa pano kutaura kufamba kwezvinhu zviviri zviri kufamba nomutowo wekukamukana. Apa muhambo wekukamukana zvinotaura mutowo wemuhambo unosanganisira: kusiyana kwespidhi kana mafambiro; kuparadzana; kutarangana kana kusiyana kwedivi riri kuendwa. Mihambo yose inoonekera zvichienderana nokuti wacho ari kucherechedza ari kutarisa ndima ine miganhu ipi. Nzvimbo iri kucherechedzwa tichaiti ndima yakarehwa - frame of reference. Saka maonero okuti chinhu chiri kuhamba zvakadini anobva pakuti ndima yakarehwa iri nomucherechedzi ndeipi.
Pamwe tingaturikira relative motion tichiti muhambo unotaranza.
Muenzaniso[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Ngatitii kuna Tendai akagara padivi penjanji. Tendai anokwanisa kuona chitima chichipfuura nespidhi 50 km/hr kubva ku[[mabvazuva] kuenda kumadokero. Kana Tendai ane meso akapinza anokwanisa kuona chigubhu chiri patafura iri muchitima zvakare. Kuna Tendai chigubhu ichi chinenge chihamba nespidhi 50 km/hr kubva kumabvazuva kuenda kumadokero zvakare.
Ngatitii kuna Ngwarai akagara pabhenji riri muchitima pedyo netafura ine chigubhu. Ngwarai akatarisa chigubhu ari paagere anoona sokuti chigubhu hachisi kuhamba - nokuti iye pamwe nechigubhu vagere muchitima chimwe pasina chiri kufamba muchitima makare.
Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Kukamuka (become separated from). Mombe iyi yakamukana mudanga redzayo seiko?