Mombe dzemashanga

Kubva Wikipedia

Chirevo chekuti mombe dzemashanga chinodudza kuti munhu arasikirwa nezano, haachazivi pokubata kana kwekuenda.

Ichi chirevo chinofananidza hunhu hwevanhu nehunhu hwemombe dzisina mufudzi. Mombe kana yave kudaidzwa ichinzi mombe yemashanga zvinoreva kuti inenge yave mombe isisina chimwe chekuita ne basa rehumombe mombe asi kutevedzana nemashanga.Kana vari vana vaita mombe dzemashanga vanenge voswerombeya nemusha, pasina chikoro chinodzidzwa kana basa svinu rinobatwa - havana avanoteera kana chinangwa chakati tsvikiti muhupenyu.

  • Vana dzangove mombe dzemashanga, kunoti uyu aita mbavha mumwe aita pfambi.
  • Vabereki vanofanirwa kuve nechekuita mukudzidziswa kwevana kuti vasave mombe dzemashanga sezviri kuitika mumaguta.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti shanga (ideophone. 1. of momentary appearance; 2. of wandering about).
  • MaZulu vanoti shangasha (Wander about, rove about). Fananidzai nezita rokuti Zhangazha?
  • Bushong inoti nshanga (n. Transmigration, metempsychosis).
  • Bushong inoti shanga (n. the act of changing in this manner - transmigration).