Svetuka kuchirochemo

Masiyaharwa

Kubva Wikipedia

Masiyaharwa izita remhuri rinowanikwa mu Zimbabwe

Masiyaharwa izita rakavepo mushure mukunge mhuri iyi yabviswa kunzimbo yava kunzi Darwandale nevarungu vachiyenda panzvimbo yava kunzi Masiyarwa pari zvino. Mhuri iyi yakabva pedyo nenzvimbo ine gomo rinonzi Maringohwe panguva yavakasimuka vakasiya harwa dzavo dzakange dzava nemumera. Mhuri iyi yakabva kwaChihota. Mazita ayo anoti Matsika, Chizema, Chodeva, Chabvonga, Chakavanda naMahere. Mushere mukunge vabva kwaChihota hama dzavo dzakatevera mumashure imhuri yekwa Mukombachoto.

  • Vanhu vane zita iri: Tafadzwa Masiyaharwa.
  • Harwa (Ridge for planting in its first stage of construction) apa kureva muhomba uri kutangwa kuumbwa. Kune musha unonzi Masiyarwa.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaVenda vanoti halwa (n. beer) vachireva doro.
  • Chimbalazi vanoti halwa (n. Sweets made from sugar, cornstarch and ghee).

Mazita ari Pedyo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Masiyarwa izita remhuri yaMatsika, Chizema, Chodeva, Chabvonga, Chakavanda naMahere.