Mapatya
(Redirected from Manyambiri)
Jump to navigation
Jump to search
Shoko rokuti mapatya rinoreva vana vaviri vakazvarwa zuva rimwechete naamai vamwechete. Nokumwe kutaura vanonzi manyaviri, manyambiri kana maambi. Mapatya vanokwanisa kunge vakafana kana vasina kufanana. Kana ari mumwe wemapatya anonzi batya kana manga.
Mamwe Mazwi[chinja | edit source]
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- MaZulu vanoti amaphahla (n. twins, a pair, a set of two) kureva mapatya. VaDigo vanoti patsa kana mapatsa (n. twin) kureva mapatya.
- VaNyungwe vanoti maphasa (n. twins) kureva mapatya. VaGungu vanoti mahasa (twins) kureva mapatya. VaNsenga vanoti mpasa (n. twin) vachireva mupatya.
- VaChewa, VaKagulu neVaNgala vanoti mapasa (twins), kureva mapatya. Chuwabo vanoti anakono (twins) kureva mapatya.
- VaMakua vanoti navata kana mavata (twins), kureva mapatya. VaKimwani vanoti masa (twins) kureva mapatya.
- VaGanda vanoti omulongo (twin) kureva batya. Kinande vanoti abarongo (n. twins) kureva mapatya - mamwe mazwi: omurongo (twin).