Makonyo Mhirikano

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMakonyo anoirikana)
Makonyo Mhirikano anoirikana.

Muchidzidzo pimanyika, makonyo mhirikano kana kuti makonyo anoirikana (Supplementary angles) zvinoreva makonyo maviri okuti akabatanidzwa anosvika 180o. Saka mhiriko yegonyo X rinowanikwa sezvizvi, (180 - X). Shoko rokuti mhiriko rinoreva huwandu hunofanirwa kuwedzerwa kuti chinhu chizare kusvika panodiwa.

Kana makonyo maviri akabatana, rimwe divi raasiri rinenge rine mutsetse wakatwasuka. Asi izvi hazvireve kuti makonyo mhirikano anofanirwa kubatana; anokwanisa kunge akataramukana paagere. Somuenzaniso makonyo egonyoina sambamba ari divi rimwe anenge ari makonyo mhirikano. Makonyo akapesana ari pagonyoina remudenderedzwa anenge ari makonyo anoirikana.

Ana sine vemakonyo mhirikano vakaenzana. Ana tangent nana cosine vamakonyo mhirikano vanenge vane huhombe hwakafanana asi vane zviratidzo (+/-) zvakasiyana.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Maheu awandiisira igasva, irika.
  • Munguva yechando vanhu vane tsika yekuirika mbatya.
  • Mwana takamupa zita rokuti Irikidzai kureva Wedzerai.