Madziya

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo fundoyetsimba, madziya kana dziya (heat) zvinoreva mhando yesimba rinoyerera pakati pezviro zviviri zvine hujoto hwakasiyana.

Madziya anoyerera kubva panzvimbo ine hujoto huri hukuru kuenda kune ine hujoto hudiki. Sokuti madziya anoyerera kubva panzvimbo ine hujoto hwe 100o kuenda kunzvimbo ine hujoto hwe 40o.

Madziya anopimwa nechiyero chinonzi Joule chinove chimwechete chinoshandiswa kupima dzimwe mhando dzesimba.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kana nzvimbo ine kudziya kwakanyanya inonzi ine mbirira, mbiriviri kana kuti chifundi.

  • Ndatadza kupinda mumba nokuti mune mbirira.
  • Akatadziswa kufema nembirira yesora raitsva.
  • Isa mvura pachoto ibve chivhutira - apa kureva - put the water on the fire to take the chill out of it.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Diutiu kana matiutiu (Sultry, hot weather). Munhuruka ndopanoita diutiu just before the rains we have sultry weather.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mang'anja vanoti chitukuta (Heat, inside heat - as of house or body) kureva madziya. VaYao vanoti citukuta kureva kupisa.
  • Mang'anja vanoti kutukutira (to be hot inside or underneath; to boil with the lid on, broil). VaMbugwe vanoti mbiro (n. heat).
  • VaFwe vanoti kutukuta (v. to become warm). Mamwe mazwi: kutukusa (vtr. to warm up). Mutukuta (n. heat). VaMaconde vanoti litukuta (n. heat).
  • VaKabwa vanoti emikama (n. weather) - mamirire ekunze. MaZulu vanoti isamvu ( n. hot, sultry weather - oppressively hot), kupisa kwakanyanyisa.
  • VaMambwe vanoti maziya (period of heat) vachireva nguva yemadziya. VaGwere vanoti buyo ( n. heat, warmth) kureva madziya.