Danhautande

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMadanhautande)
Danditautande

Danhautande (kureva internet; web) madanhautande zvinotaura mukumbanidzwa weUtande hwemaComputer unobatanidza computer dziri pautande hwakasiyana munzvimbo dzakasiyana Pasirose. Danhautande rakarongwa nenzira yokuti utande hwakawanda hunokwanisa kunzwanana mutauro, computer dziri pautande hwakasiyana dzichikwanisawo kutumirana mashoko. Nemamwe matauriro tingati Danhautande ringanzi utande weutande. Varidzi veutande hunobatanidzwa paDanhautande vanosanganisira: hurumende dzenyika; masangano epovho; masangano akazvimirira; mabhizinisi nezvikoro.

Danditautande riri kushandura mafambiro emashoko nenzira dzave kubatawo zvinhu zvinosanganisira: runhare, mimhanzi; mafirimu ne terevhizheni zvinova zvave kushongedzwa kuti zvishande paDanhautande. Pari zvino vanhu vave kukwanisa kukurukura kuburikidza neDanhautande, ari panhare achitaura neumwe ari pane imwe nhare kana pacomputer. Vanodhinda mapepanhau, mabhuku, nezvinyorwa zvakatsaukana vave kupinda mukushandisawo Danhautande vachivamba ruvazheutande (website) dzokuti vatengi vanouyapo vachikurukura uye vachiwana nokutenga zvavanoda. Danhautande ravakugonesa nzira dzitsva dzokuti vanhu vakurukure dzinoti: mashoko pakarepo (instant messaging); hurukuro dzepadandira (internet forums); uye kuzangarara pautande (social networking).

Pfungwa yokuva neDanhautande yakavarurwa nehurumende yeAmerika mumwaka wechikumi 1960 apo yaitsvaka nzira tsvene dzokufambisa nadzo mashoko kuchishandiswa computer. Tsvakurudzo iyi yakaitwa vachikutsirana neBhuritani uye Furanzi, kwakaumbwa utande hwaipirana mashoko kokutanga asi chirongwa ichi hachina kuburitsa danhautande panguva iyi. Hapana kubvumirana kuzere kuti danhautande svinu rakazovepo riinhi asi nyanzvi zhinji dzinorerekera pakuti Danhautande rakasimbiswa mumwaka wechikumi 1980.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Peji yepaMukova (Home Page) ipeji rinobuda pokutanga pakuvhura ruvazheutande. Kazhinji peji iri rinoratidza misoro yezviripo pachinyorwa ichi.

Kukochanidza (Link, verb) Muchodzanidzo (Link, noun)

  • utangechenza - protocol
  • utangechenza wedanhautande; Dangechenza redanhautande (internet protocol)

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Sangho vanoti pafungula (n. password). Mamwe mazwi: pa (n. word).