Kuverengwa kweVanhu

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo cheTaranyika Kuverengwa kweVanhu (population census) chirongwa chinoitwa nehurumende yenyika. Chirongwa ichi chinobatsira kugadzirira mabasa ehushumiri hunopiwa nehurumende.


Panoverengwa vanhu kunoda kupindurwa mibvunzo inotevera:

  • Vanhu vari munyika; mudunhu; muguta; muruwa vangani?
  • Vanhu vari munzvimbo vane mazera akaita sei?
  • Nzvimbo ine vanhukadzi nevanhurume vane huwandu hwakadini?
  • Vanhu vari munzvimbo vakadzidza chikoro kusvika padanho ripi?
  • Vanhu vari munzvimbo vanoshanda mabasa ehushangazhi here?
  • Baba naAmai vega-vega vari kuzvara vana vangani?


Kune zvimwewo zvizhinji zvinotsvakwa, zvimwe zvichizotsvakwa nanamazvikokota kumahofisi uko vanoda kupindura imwe mibvunzo inobatsira kuronga mabasa ebudiriro.


MuZimbabwe vanhu vanosiverengwa mushure memakore gumi (10). Saka nhoroondo yokuverengwa kwevanhu inoti izvi zvakaitwa mukakore 1982, 1992, 2002. Kuverengwa kwevanhu kunotevera kuri kutarisirwa mugore ra 2012. Chirongwa ichi chinotungamirwa neCentral Statistics Office.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLozi vanoti -bala (v.t. to read; to count) vachireva kuverenga.
  • VaLozi vanoti mubali (v.t. one who read; one who counts) vachireva muverengi.
  • VaLozi vanoti sipalo (n. census) vachireva kuverengwa kwevanhu.
  • VaLozi vanoti sipalo (n. recruitment) vachireva kupinza kwevanhu pabasa.