Poyindi

From Wikipedia
(Redirected from Kuva nomunzi)
Jump to navigation Jump to search

Muchidzidzo chePimanyika, poyindi kana shanga (point) izita rinoreva kanzvimbo katokotoko, katopoka, kasina hwasha, herufu, kana hudzamu. Takatsimbidzira penzura papepa tingaedzesera kucherechedza poyindi; asi kana nepo doo rinoitwa nemurumo wepenzura rine nhambwe - poyindi haina nhambwe.

Kune nzvimbo inonzi Kunzvi kwakanga kuine hurongwa hwekuvaka dhamu.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaHerero vanoti o-nyoro kana oka-nyoro (tip). VaLenje vanoti chelo (point, tip, end, extremity) vachireva munzi.
  • VaYao vanoti lusongo kana lusonga (a point, a tip; a pointed stick) vachireva poyindi kana chimuti chine munzi.
  • VaYao vanoti kusongoka (to be pointed) vachireva kuva nemunzi. Vanobva vati lusongola (the kernel a grain) kureva tsanga yezvirimwa.
  • Mang'anja neVaMambwe vanoti nsongo (point; the apex or point of anything; the point or extremity of any instrument, as spear, arrow, knife, pen, etc) kureva munzi.
  • VaYao neMang'anja vanoti kusongola (to sharpen a point; to point) vachireva kurodza munzi.
  • VaMambwe neVaBemba vanoti songola (to be pointed, sharp) vachireva kuva nemunzi kana kutesva. VaGanda vanoti msa (point) kureva poyindi.