Kununganya
Izwi rokuti kununganya riri kushandiswa pano kuturikira chinonzi grafting kuEnglish zvinoreva kupfekera bazi remuti unobereka zvakanaka pamuti usingabereki zvakanaka. Apa chinangwa ndechokuti bazi dzvene iri ribereke muchero mutsvene pamuti usingabereke zvakanaka.
Izwi rokuti kununganya hariko kuShona yamazuva ose - pano tiri kuzama kuumba mazwi anotutikira zvinotaurwa kuEnglish. Izwi rokuti kununganya rinotaurwa kuChiTonga. Izwi rokuti lugwalo rinoturikirwa kuti rugwaro rinotaurwa kuTonga zvakare.