Shamwari

From Wikipedia
(Redirected from Kukumbana (pahushamwari))
Jump to navigation Jump to search

Shamwari, mubari kana mubare (friend) zvinoreva munhu wauri pedyo naye zvichionekwa kubudukidza nezvinoti: kuwirirana pfungwa, kufarirana, kuwadzana; kubatsirana nekufambidzana.

  • Mwana anodzvemera nababa vake: a child . relies on its father.
  • Imbwa inoti dzvemere natenzi wayo: a dog keeps close to its master.
  • Ndumurwa inodzvemetera amai: a toddler hangs on to its mother's apron strings.

Gwango[chinja | edit source]

  • Gwango, magwango kana mafariswa (1. Will to associate. 2. Cordiality 3. Unity in diversity 4. warmth and cordiality) apa kureva zvinotaura kuwirirana nekunyoroverana kungavapo pakati peshamwari, hama kana vafambidzani.
  • Ita gwango navamwe: mix with other people.
  • Ane gwango nehama chete: he is friendly only to his relatives.
  • Zvitototo zvine gwango rwazvo: there are different varieties of non-flying beetles.
  • Mashanje kana mafariswa (1. Cordiality, 2. Playfulness, Banter).

Tsika[chinja | edit source]

  • Zvamunoona husahwira hunokunda hukama.
  • Shamwari yepedyo pedyo anobata basa rezvirango kana kuudzwa tsvitswa dzakakosha anonzi sahwira.
  • Amai vanodzvemeredza vana nababa: a mother sees to it that her children become inseparably united to their father.

Tsumo[chinja | edit source]

  • Aramba ushamwari apa huku yangu kupona. He who has refused friendship (and) thereupon my fowl lives longer.
  • Vayanani ndivo varwi. Friends are (also) fighters.
  • Vadani ndivo vakani. Friends are (also) fighters.*
  • Hushamwari hwechikweyakweya, mangwana tichanzwa zvipini zvorira. Too intimate a friendhsip will end with hoe handles cracking tomorrow.
  • Ushamwari hwenjiva-varungu mazuva maviri hwaparara. The friendship of pigeons vanishes in two days.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Mang'anja vanoti ukonzi kana mkondano (friendship) kureva hushamwari.
  • Mang'anja vanoti mkonzi, chikonda, mkonda (friend) kureva shamwari.
  • VaNyungwe vanoti xamwali kana axamwali (friend/s) kureva shamwari.
  • VaChewa vanoti chibali (friendship).
  • Izwi rokuti mnza (companion) rinotautwa mururimi rweChewa, kureva shamwari.
  • Izwi rokuti mnzanga (my companion) rinotautwa mururimi rweChewa.
  • VaGiryama vanoti musena (friend) kureva shamwari.
  • VaGiryama vanoti usena (friendship) kureva hushamwari.
  • VaZigula vanoti mbuya kana wambuya (friend; friends) kureva shamwari.