Funguragetsi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKugetsenura)

Funguragetsi (Electrolysis in English) chiitiko chinoshandiswa kupfudzunura nhonda kuchishandiswa magetsi. Funguragetsi rinogoneka pane shurushuru inopereka magetsi. Chiitiko ichi chinoshandiswa paSable Chemicals kuKwekwe apo vanoshandisa magetsi kupatsanura oxygen ne hydrogen anova magasi anogadzira mvura.

Izwi rokuti nonda riri kuturikira chinonzi ions kuEnglish iro richidudza kuti I go or that which goes. KuChiShona patorwa izwi rokuti nonda rinodudza kutevera, to follow - sokuti Makanaka akati nonda nenzira yekurukova - Makanaka followed the path to the river. Nonda dzinokwezvewa kudivi rimwe renyere zvichienderana nechaji iri kudivi iroro. Manondanhuka (anions) ane chaji yakahwarara anokwezverwa kugumbunhuka rine hugonga nharadada - positive polarity. Manondanhoka (cations) ane chaji yakadara anokwezverwa kugumbunhoka rine gonga hwaradada - negative polarity.

Kupiwa Kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti funguragetsi rakaumbwa richitodzaniswa nezwi rokuti kufungura rakadudzirwa pamitauro yeBantu muchikamu chiri pasi apo.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvakanaka kuti tipe mashoko anorerutsa kuzotaura zvidzidzo izvi tichipfuurira mberi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Swahili inoti fungua (1. untie, unfasten, loosen; 2. open, 3. open, start; 4. free, liberate, release). Mamwe mazwi: mfungua (loosening , unfastening, release, liberation).
  • Taita inoti kufungula (to free; to loosen). Zigula vanoti kufungula (undo, unfasten, unwrap, to take apart, unbind, unwind).
  • Tiriki inoti khufungula (unfasten, unlock, take down something that is hanging up). VaLungu vanoti ukufuungula (to unlock) vachireva kukiyinura.
  • Nyanja inoti kusera (v. to be loose, slip through; as a knife in a sheath). Mamwe mazwi: seru (loose, as rings that do not fit).
  • Nyanja inoti kuserera (v. to pass through, between or beneath, creep through; as maize through a hole in the basket or goat through a hole in the pen) kureva kupoya kana kupfuka.