Kudzurura

Kubva Wikipedia

Kudzurura (to mud or plaster a log house making it smooth) zvinoreva kutsvetera dhaga muhwagwadza dzinosara pakati pemadziro emba yakavakwa nemapango. Dhaga iri rinovhara maburi kuti mhepo nechando zvisapinda uye rinoita kuti madziro asare akwenenzvereka. Vanodzurura vanosarudza mhando yedhaka rinonamira zvakanaka, vokanyanisa nemvura vachizoshandisa dhaga nyoro iri pakudzurura.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kudzira (to plaster walls and floor with cow dung; smear floor) zvinoreva kuzora ndove pachikuva nemadziro.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kimbundu vanoti kuxiulula (to smooth a tree; strip). Mamwe mazwi: kuxiulula (to debark a tree) kureva kusvuura gwati remuti.
  • Kimbundu vanoti kuxila (to blacken). Mamwe mazwi: kujirika (v. prescribe; forbid).