Kudzurura
Mataridziko
Kudzurura (to mud or plaster a log house making it smooth) zvinoreva kutsvetera dhaga muhwagwadza dzinosara pakati pemadziro emba yakavakwa nemapango. Dhaga iri rinovhara maburi kuti mhepo nechando zvisapinda uye rinoita kuti madziro asare akwenenzvereka. Vanodzurura vanosarudza mhando yedhaka rinonamira zvakanaka, vokanyanisa nemvura vachizoshandisa dhaga nyoro iri pakudzurura.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kimbundu vanoti kuxiulula (to smooth a tree; strip). Mamwe mazwi: kuxiulula (to debark a tree) kureva kusvuura gwati remuti.
- Kimbundu vanoti kuxila (to blacken). Mamwe mazwi: kujirika (v. prescribe; forbid).
- VaTonga vanoti zila (v. plaster) vachireva kudzira.
- Kinande vanoti kuhoma (to plaster). Vanoisa h pamwe patinoisa p.