Kuchinjika

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti kuchinjika (across, transverse in English) rinotaurwa kana chinhu chakarariswa chichitevedza hwasha kwete hurefu kana hukwidza. Somuenzaniso mahwere anovhariswa padanga remombe anotsvetwa akachinjika musuwo wedanga. Bhiriji rinoyambuka rwizi rakachinjika.

Danda kana muhomba wakachinjika unodanwa kunzi jinjikwa.

Mamwe mazwi[chinja | edit source]

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mfundisi akachinjika mawoko ake achinamatira vachati: the Pastor crossed his hands when he prayed for the bride and groom.

Mazwi eBantu[chinja | edit source]

  • Mururimi rweKikongo vanoti xinga inodudzwa kunzi singa (to make straight, level, square).
  • Mururimi rweYao vanoti kupendama (to slant to one side).