Kuchingidzira

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKuchingiridza)

Kuchingidzira (to place a container to be filled with liquid) zvinoreva kutsveta chirongo kana chimwe chibatiro pane mvura iri kuyerera uchichereredza mvura yacho. Munguva yekunaya kwemvura vanhu vanoisa madhiramu muberere vachichingidzira mvura inodonha padenga remba. Munhu anokwanisa kuchingidzira mvura nemawoko papombi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaDigo vanoti kuchinga (to place a container to be filled with liquid) vachireva kuchingidzira.
  • VaZigula vanoti chingirizo kana machingirizo (n. cistern) kureva mudziyo wekuchingiridzira.
  • VaZigula vanoti kuchingiriziza (catch dripping (liquid) in/with; use to catch dripping) vachireva kuchingidzirira.
  • VaZigula vanoti kuchinga (hold out/up; to stick out; sticking out) kureva kuchinga. Sokuti: Chinga mkono wako (Hold out your hand).
  • VaZigula vanoti kuchingira (hold out for/to; hold out with, use to hold out; to stick out for/to) kureva kuchingira.