Kucheza

From Wikipedia
(Redirected from Kuchedzera)
Jump to navigation Jump to search

Izwi rokuti kucheza, kuchedza, kukupura kana kuti kuninira (to signal) zvinoreva kupa chiratidzo chingava chinoitwa neruwoko, neziso, negumbo kana muromo chiri chiito chinozivikanwa pakati pevari kuninirana. Avo vanoninirana vanoziva pakati pavo kuti voita sei kana chiratidzo ici chapiwa.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mupurisa akaninira motokari dzaibva kuchamhembe kuti dzimire.
  • Kutsara kana kutsarira (to nudge, touch to call attention). Kune zita remhuri rinonzi Tsara.
  • Kuchedza kana kucheza (to beckon, to signal, to make a sign).
  • Kuchedzera kana kuchezera (to beckon, to signal, to make a sign). Ndakamuchezera neziso. Ndakamuchezera kuti ndichamurova - I warned him that I would beat him.
  • Kuchora kana kuninira (to beckon; to make a sign).
  • Kuchorera (to beckon to).