Ronzaukadzi

From Wikipedia
(Redirected from Ketamukadzi)
Jump to: navigation, search

Izwi richironzanoti ronzaukadzi (Gynaecology kuChirungu) riri kushandiswa pano kutaura denhe reruzivo rehurapi rinodzidzisa zvehutano hwevakadzi zvikurusei kutarisa hutano hwenhengo dzesikarudzi. Munhu akaridzidzira achiita basa rokutarisa hutano hwenhengo dzesikarudzi dzechikadzi anonzi chironzaukadzi, hazvineyi murume kana kuti mukadzi ari kubata basa racho.

Kupiwa kweZita[chinja | edit source]

Shoko rokuti kuronza (be clear, understandable - of speech) zvichireva kutaura zvakajeka zvinonzwisisika. . Saka tikati ronzaukadzi zvinoreva kuti chidzidzo ichi chasvika pakajeka uye panonzwisisika maringe nemashandiro enhengo dzechikadzi. Shoko chairo richapfumbira harisati ranatsa kubuda pachena, parizvino Shoko rokuti ronzaukadzi rinodudzira zvimwechete nokuti duraukadzi.

Shoko rokuti dura (mention, intepret, give meaning) rinoreva kutaura kunobuditsa pachena zvose zvinozivikanwa maererano nemusoro wenyaya iri mudariro. Apa ndipo pabva chivakamberi chokuti dura-. Chivakamberi ichi chiri kushandiswa kuturikira chivakamberi cheEnglish chinoti -logy chinoreva a speaking, discourse, treatise, doctrine, theory, science".