Kadzi
Mataridziko
Kadzi (Chingezi: female; Chiratidzo:♀) ishoko rinoshandiswa kupatsanura ubare we zvinhu zvipenyu. Chinhu chikadzi chingave mhuka, senge shumba, nyati, mbizi kana munhu, kana ari munhu anonzi mukadzi.
Nzvari ne Hadzi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Nzvari kana hadzi ishoko rinoshandiswa pakureva mhuka yechikadzi, shoko iri harishandiswe pamunhu asi rinogona kupesaniswa nerimwe shoko rokuti hadzi kana kadzi.
Mienzaniso, mbudzi nzvari zvinoreva kuti mbudzi ye chikadzi, inogona kunzi mbudzi hadzi futi.
Kadzi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Kadzi ndiro shoko uye chivakamberi chinowanzo shandiswa pakutaura chero chinhu chechikadzi, kubva kuvanhu kusvika hunhu hwe chikadzi. Muenzaniso, mutongi we chikadzi anonzi Mambokadzi,