Kusakamara

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuJanja)

Muchidzidzo Pimanyika shoko rokuti ruchanja kana kuti kusakamara (Perpendicular, vertical) rinotsangudza uso kana mutsetse wakamira kuti tasa kubva panzvimbo kuenda mudenga kana pasi.

Muenzaniso ungapiwa itambo yakasungirwa padavi remuti yakaremedzwa nedombo kuzasi kwainoperera. Tambo iyi inenge yakaita janja kudzika kubva padavi.

Kusakamara (to be erect, stand upright, stand firm) zvinoreva kumira zvakadzikama, wakadendemara.

Sakama, musakama (upright, vertical) zvichireva chinhu chakasakamara pakumira kwacho. Iri izwi raumbwa pano.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ndiani akajanjaridza badza pachivanze panotamba vana? Apa kureva - Who left a hoe standing upright in the yard where the children play?
  • Nhutsa zvinoreva kukanda dombo richienda rakarurama mudenga - straight up, shoko iri rinokwanisa kuzoshanda kutsannangura vertical.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaMambwe vanoti mulungamila (N. the state of being perpendicular) vachireva chinhu chakamira zvakarungama.