Hutsatsvuku

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Pachinyorwa chino mazwi okuti hwaratsvuku kana hutsatsvuku ari kushandiswa kuturikira chinonzi infra-red kuEnglish.

Kupiwa kweZita[chinja | edit source]

Izwi rokuti infra-red rine chivakamberi chinonzi infra- (below, underneath, beneath; later than, smaller, inferior to) chinoreva chiri muhwaro. Izwi rokuti kutsi (under, beneath) rinoreva pasi pe, nyasi kana zasi. Hwaro (base) zvinoreva chakatsigira pasi kana kutsi. Pano tiri kuedza kushandura izwi rokuti hwaro ritaure sezwi rechiitiko.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Kuwanikwa kweHwaratsvuku[chinja | edit source]

Mugore 1800 William Herschel akaita mahwekwe nehutsatsvuku achiita tsvakurudzo yekuda kuziva hukama pakati pemadziya nechiedza. Herschel akanga achishandisa prism kupandanura chiedza chezuva kuita nangazira rechiedza. Akanga achiisa thermometer murupande rumwe nerumwe rwechiedza - paakazoisa thermometer zasi kwerupande rutsvuku temperature yakakwira sokunge chiedza changa chiri kuwira thermometer. Pavakapfuurira mberi netsvakurudzo zvakaratidza kuti maranzi asingaoneke anoitawo sezvinoita chiedza pakuti anokwanisa kuhwiturwa necharingira. Saka hutsatsvuku maranzi egetsimagineti ane rudido rwuri zasi kwechiedza chinooneka uye hwaratsvuku hwakareba 0.7 micrometer kusvika 1 millimetre hunova hurefu hwesaira hwakadarika hwechiedza chinooneka.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLuwanga vanoti mulwalo (below, underneath) kureva kutsi. Sokuti mulwalo we imesa - under the table.
  • VaLuwanga vanoti omwalo kana empale (below, down there) kureva kutsi. Mazwi aya anoda kutodzana nokuti hwaro.