Svetuka kuchirochemo

Hondo yeChikaya

Kubva Wikipedia

Pachinyorwa chino mazwi anoti Hondo yeChikaya ari kushandiswa kuturikira chinonzi civil war kuEnglish, apa kureva hondo inorwiwa pakati pevanhu vagere munyika imwe. Dzimwe hondo dzinorwiwa pakati penyika dzakasiyana sokuti Japan neChina. Izwi rokuti chikaya pano riri kutodza mitauro yeBantu inoti kaya kana khaya kureva musha - zvichibva zvadudza kuti ihondo pakati pevagari venyika imwe iri kutaurwa nezvayo.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaBemba vanoti nkondo ya bukaya (civil war) kureva hondo yechikaya.
  • VaBemba vanoti umukaya (n. citizen) vachireva sanyika kana chizvarwa. Mamwe mazwi: ubukaya (citizenship) kureva husanyika.
  • VaBemba vanoti bukaya (n. civil)
  • VaMambwe vanoti cikaya (1. the fact of being a resident in a country; 2. love for one's country, one's people). Mazwi Anotodzana: ukaya (citizenship).
  • VaMambwe vanoti -kaya (of local origin, or old thing as opposed to new one) kureva munhu wepo kana chinhu chitsaru.
  • Kana kuchinge kwawanikwa rimwe zita riri nani, zvoreva kuti zita riri pano richabva.