Chimanzi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuHata (jira))

Hata kana chimanzi (Pad for head to support head load) zvinoreva jira rinoshandiswa kuisa pamusoro kana munhu akatakura mutoro unorema nemusoro. Kazhinji hata inoshandiswa kana munhu akatakura chirongo achibva kutsime. Hata inoshandiswawo kana munhu atakura svinga rehuni nemusoro.

Hata inobatsira kuti musoro usadzamire kana munhu atakura zvinorema.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLenje neVaGwere vanoti nkata (pad of twisted grass used when carrying a load on head) vachireva hata.
  • VaChewa vanoti nkhata (a twisted grass or cloth pad used when carrying a load on head) vachireva hata.
  • VaYao vanoti chikata (a bundle of bark rope) kureva chitsumbu chemakavi. VaTaita vanoti ngata (pad used when carrying a load on head) kureva hata.
  • VaHerero vanoti ongata (pad of twisted grass used when carrying a load on head) kureva hata.
  • Baila vanoti inkata (a pad used for carrying things on the head) kureva hata. MaZulu vanoti inkatha kureva hata.