Gurupira

From Wikipedia
(Redirected from Gurupidza)
Jump to navigation Jump to search
  • Gurupira (1. Be helped, 2. Rely on).
  • -gurupidza (Relieve, help, be useful to) apa kureva kubatsira.
  • gurupi kana yamu (ideophone of Relieving; 2. of Consoling).

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Ndinogurupira Mutsawashe: I look to Mutsawashe for help or I depend on Mutsawashe.
  • Ndinogurupira nemari: I am saved expense (by someone else paying).
  • Tongai akandigurupidza: Tongai came to my help.

Zvichida mazwi ari pano anotodzana nerinoti gurupira anokwanisa kuturikira chinonzi Social Welfare kuEnglish? Zvakadii tikati Gurupidzo reNzanga, Gurupiro reNzanga kana Gurupidza Nzanga?

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaChewa vanoti chikhulupililo (trust, belief or faith). Mamwe mazwi: kukhulupilila (to trust, to believe, to hope ,to expect, to hope for, faith). Wokhulupirika (trustworthy).
  • Mang'anja vanoti kukulupila (trust; expect; hope in; look for; hope for; expect a person; to be in need of; to be pleased with a special thing; hold to a thing; look carefully at; take care of).
  • VaNyungwe vanoti cikhulupiro (hope) kureva tariro. Mamwe mazwi: -khulupira (have hope, place hope in) kureva kuva netariro. VaYao vanoti chikulupi (n. faith) kureva ruvimbo.
  • VaDigo vanoti kulupira kana kuluphira (to trust, to depend on) zvichireva kugurupira. Mamwe mazwi: kulupiro (hope, faith, dependence) zvichireva gurupiro.
  • MaZulu vanoti intokozo (n. welfare). VaVenda vanoti vhulondavhathu (n. welfare).