Gowasimbi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Gowasimbi (Metallurgy) izwi riri kushandiswa pazvinyorwa zvino kuturikira chinonzi metallurgy kuEnglish, zvichireva mabasa nehunyanzvi hwekukohwa simbi mubva mumatombo anocherwa pamugodhi. Munhu wacho ane hunyanzvi hwekukohwa simbi anenge odanwa kunzi mukowasimbi, pahuzhinji toti ana mukowasimbi.

Kupiwa kweZita[chinja | edit source]

Blast Furnace kuSestao, Spain. Furnace iri pakati pemutumbu wemasimbi

Izwi rokuti metallurgy rakaumbwa nemaviri anoti: metal + ergon; izwi rokuti ergon rinoreva work. KuChiShona izwi rokuti mukowa rinoreva basa rinorema uye rine njodzi - hard and dangerous work. Pachinyorwa chino metallurgy yaturikirwa ichinzi gowasimbi nokuti basa rekukohwa simbi rinorema uye rine njodzi; basa iri rinobatwa nemichina yakakura imwe nguva richida moto wekununisa simbi dzacho kuti dzitsaurwe kubva kumambara nemuchegwa wemanyara. MuZimbabwe nzanga dzine mibisho inoita zvegowasimbi dzinosanganosira: Zimplats, RioZim, Metallon, Mimosa, Anglo American nedzimwewo.