Gonyanhatu tsazamaviri

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chePimanyika, gonyanhatu tsazamaviri (isosceles triangle) imhando yegonyanhatu rine mativi maviri akaenzana, negonya mbiri dzakaenzana.

Vara rokuti tsaza- rinoreva kuti zvakaenzana; vara iri rinofanana neiro rinoshandiswa kuEnglish rokuti 'equi-'. Izvi zvinoreva kuti kana tati tsazamaviri tinenge tichiti rakaenzana maviri.