Kukorora
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuGoho)
Kukorora (ku Chingezi: reaping or harvesting) kana kukohwa pakurima mbesa ishoko rinoreva mabasa anoitwa kana zvirimwa zvaibva (kana kusvika) apo zvinobviswa mumunda.
- Kana chiri chibage kukohwa kunosanganisira kutema magunje, kutyora miguru kubva pagunje, kufurura nokutakura chibage chichitsvetwa mumatara.
- Mabasa ekukohwa donje anosanganisira kupunda mabhora eshinda yacho kubva padzinde, kupatsanura donje kubva kutsvina, nokututira donje mubhero.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaMambwe -kola (to gather together) kureva kuunganidza. VaChewa vanoti kukorora (to harvest) kureva kukohwa, zvikurusei kukohwa chibage.
- VaChewa vanoti mbvuno (n. harvest) kureva goho. VaSwahili vanoti kivuno (harvest, yield, gain, profit ) kureva goho.
- MaZulu vanoti vuna (Reap, harvest, gather crops) vachireva kukohwa. VaZigula vanoti mavuno (harvest) kureva goho.
- VaLungu vanoti ukukowa (to pull, to cling to) kureva kudhonza?.
- VaBemba vanoti kusepa (v. to harvest) kureva kukohwa. VaTiriki vanoti khuchesa (to harvest) vachireva kukohwa.