Ngoma

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuGandira (Ngoma))

Ngoma chiridzwa chinogadzirwa nedanda rine mhango pakati rinokakwa dehwe kune rimwe divi kana kuti mativi ose. Ngoma inoridzwa nemaoko kana nezvimiti.


Mhando dzeNgoma[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nguri (A kind of drum).
  • Chiharamba kana dandanda (Short drum(made from hollowed-out section of tree-trunk).
  • Dumba (Drum).
  • Gandira (type of drum hung from the neck) mhando yengoma inoridzwa yakarembedzwa muhuro.

Tsumo netsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kangoma kanorira kachiti kwangu kwangu - apa kureva kuti munhu kana achitaura anonatsa zviri kudivi rekwake.
  • Kangoma kunyanya kurira kanotsemuka.
  • Akaimba muimbi Oliver Mtukudzi - Pfavira ngoma zimhandara husiku hurefu.
  • Ngoma muridzi wayo. The (sound of the) drum depends on the drummer.
  • Ngoma muna wayo. The drum is (dependent on) its owner.
  • Chingoma chiririsi ndicho chiparuki. The drum that sounds loudly is the one that bursts.
  • Pfavira ngoma, husiku hurefu. (Be calm and take your time to do things).
  • Kuridza ngoma nedemo: (to beat the drum with an axe) - zvinoreva kuita zvinhu nenzira inokuvadza. Nokumwe kutaura tingati munhu ari kuita izvi ave kufarisa.
  • Iye ngaaridze nhumba, mumwe agomukaya nemhingudzi: let him play the tall drum and another alternate with the small drum.
  • Mukutaura kwemazuvano mangoma zvinoreva nziyo zvikurusei nziyo dzemafaro dzakaita semuseve; ragga, reggae zvichingodaro.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nyanja vanoti kuomba ngoma (to beat the drum; play the drum), kuridza ngoma. Nyaneka inoti ngoma (n. drum) kureva ngoma.
  • Zigula inoti kuwamba (stretching leather or skins) kureva kutatamura dehwe. Sokuti: Chiwamba ngoma mbiri. (We stretched two drumheads).
  • Zigula inoti kuwambika (be stretchable - of leather or skins), kutatamuka kwedehwe. Kinande inoti omuhinda (n. a big drum) ingoma huru.
  • Venda inoti -omba (beat a drum) kureva kuridza ngoma. VaYao vanoti likunda (a large drum) vachireva ngoma huru.
  • Bunoge inoti tùmbá bò (is short) kureva kupfupika. Mamwe mazwi: tùmbù kureva kupfupika. Fananidzai nokuti nhumba kana Dumba.