Epworth, Zimbabwe
| ||||||||||||||||||||||||
Epworth (sho. Epuweti) iguta rakagadzikwa nechekuchamhembechemabvazuva eHarare, rine ruwa rwunotora nzvimbo yemakiromita makumimatatu-neshanu kana netanhatu (35-36km). Mugore ra2022 maive nehuwandu hwevanhu hwungafungirwe 206,365.
Epworth yakanharwa nechekwekuguma kwezanagore rechiguminepfumbamwe sechikamu cheUshamaeri hwechiMethodhisti na rhevherendi Shimmin nevamwe. Ushumaeri hweEpworth hwakaunza mapuraza akawanda (Epworth, Glenwood, Adelaide).
Huzhinji hwevanhu munguva yekwekupera kwemakore ema1970 nema1980 vanhu vaidza kumusha vakauya kunogaramo. Muna 1983, Kereke yeMethodhisti yakapa hukuru hweunda kuhurumende.
Utongi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Muna 1986, Bhodi reMunharaunda reEpworth (Epworth Local Board) rakavambwa pasi pe Mutemo weMakanzuru eMaguta (Urban Councils Act) kuti ritongere nzvimbo iyi.
Kugara / Dzimba
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Pakutanga Epworth yakarongwa kuita misha midiki (semuenzaniso: Chiremba, Chizungu, Makomo, Chinamano, Zinyengere).
- Zvikamu zvakawanda zvinoramba zviri nzvimbo dzokugara dzisina kurongwa (squatters), dzisingawani zvizere mabasa akadai semvura, magetsi, kana migwagwa.
- Mamwe matunhu akagadziridzwa uye akaitwa epamutemo, achiwaniswa mvura, magetsi, nemigwagwa.
Zvinetso
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kuungana kwevanhu vakawandisa uye nzvimbo dzekugara dzisina kurongwa.
- Kushomeka kwehutano hwakakwana hwekuburitsa marara netsvina.
- Kushaikwa kwemigwagwa nemvura yakakwana munzvimbo dzakawanda.
- Hurombo, vanhu vazhinji vachirarama muzvivakwa zvisina kusimba.
Nzvimbo Dzine Mukurumbira
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mabwe anozunguzika (Balancing Rocks) pamwe ne Domboramwari riri pedyo neChiremba, nzvimbo dzinoyevedza uye dzinoonekwa semucherechedzo weEpworth.