Svetuka kuchirochemo

Baraureya

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDzivambari)

Mazwi okuti mabaraureya kana baraureya ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi antigen kuEnglish chinova chiro chinokonzera kuti muviri uburitse mhando yemurimo unonzi dzivaureya – antibody.

Chivakashure chokuti ureya chiri kutodzaniswa nezwi rinoti kareya (blemish, flaw) rinoreva chiro chinonyangadza kana kushatisa panhu - takanangana nehurapi chinenge chiri chinhu chinokanganisa hutano hwemuviri kana chapinda. Chivakamberi chokuti bara- chiri kutodzaniswa nezwi rinoti Kupara (Set-up, Establish, Found) rinoreva kuvamba knap kudzika sangano, nzanga kana Kereke. Takanangana nehurapi baraureya ndicho chipenyu chiri kukonzeresa kuti muviri uburitse madzivaureya – antibodies. Apa kureva kuti baraureya riri kudenha kubuda kwedzivaureya.

Vamwe vangada kuturikira vachiti baradzivaureya kureva icho chinodenha kubuditswa kwemurimo unonzi antibody kuEnglish.

Barandemo, kana barandemeredzi riri kuturikira chinonzi immunogen kuEnglish - pahuwandu toti mabarandemo kana mabarandemeredzi.