Dziva Sambiri Ganda
Mataridziko
Maita Dziva Ganda Sambiri
Maita Dziva, Ganda sambiri, mbonyeya
Munaiyisi vemvura,
Sambiri
Dambiro revasikana
VeGanda gobvu,
Vari KwaSave.Vanogara mumvura.Panze idambiro kumafuro.
Chirombo chinobvundura mvura,
vanogara mumvura vano vhura muromo kaviri. Weganda gobvu.Maita Save.
Musaigwa, mucheka uzere mavi, dambiro revasikana, gurajena. Mutsika panotinhira.Mutambira pajecha, hunga, dedza, shure kunemidzi
Maita Dziva mukokomedzi wechimwango. Maita vaChifedza vezamu guru, rinomwiwa nemwana ari kumusana.
Maita Dziva Mapaire, muganhu nedzviti, Hove huru, dzinodyira kana kodoka. Vakasandudzirwa mumvura navaChivi.