Dunhu reMadondazuva muAfrica

Kubva Wikipedia
Madondazuva eAfrika

Dunhu reMadondazuva muAfrica inzvimbo yakatambanuka kudarika masango-mubvumbi anonyanyozivikanwa kunyika dzekumavirira. Kazhinji vanhu vane murangariro wematunhu emadondazuva unoti: aya matunhu ane kunze kunodziya zvichisvika pakunopisa kune hunyoro mumhepo, izvi zvichikonzerwa nepane matunhu aya tichicherechedza mbariro dzetarachisi uye kuva mubande rekunaya kwemadondazuva (tropical rain belt). Asi chimwe chinoonekwa ndechekuti tarachisi yematunhu aya, zvikurusei mandundu emakomo uye hukama huripo pakati mhepo huru dzematunhu zvinoshandura mamiro ekunze kubva pamatunhu ane gwenga kunosvika manzimbo dzine hunyoro mumhepo kuWest Africa.