Nyere yaGalvani

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDimbamukata)

Mazwi anoti Nyere yaGalvani ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi Galvanic cell kuEnglish - iyi inyere yemushongagetsi inowana simba remagetsi kubva pakupirimuka kwemishonga iri mukati menyere icharehwa. Nyere iyi yakaumba nesimbi mbiri dzakasiyana dzinobatana kuburikidza nezambuko remunyu kana kuumbwa nenyere-gasva dziri mbiri idzi dzakapatsanurwa nenhengodzivo inobvinina norusarura - selectively permeable membrane.

Kujekesa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvakakosha kuti tionesane kuti vakatanga kunyora nezve hutsanzi hwezvemagetsi vaifunga kuti muyerero wemagetsi wakanga uri wemheu dzakadenenguka. Uyu unonzi muyerero wakateramiswa nembungano - conventional positive current. Saka tsananguro dzavo pamusoro pemagongwa nemandimu dzakaitwa vaine murangariro iwoyu. Tsananguro iyoyi ichiri kurarama zvichitevedza guungano renyanzvi rakatenderana kuti zvirambe zvakadaro. Pari nhasi zvave kuzivikanwa kuti ma electron ndiwo anofamba muwaya dzemagetsi, kwete positive current.

Magetsi anobuda muNyere yaGalvani kumwenzagetsi weZinki. Nokudaro mwenzagetsi uyu uchanzi mwenzanhuka, zvichitodzana nezwi rokuti kuduka rinoreva kukwira kwezuva richibuda - iri rinonzi anode kuEnglish. Izwi rokuti anode rinoreva way up. Kudivi irori, manondanhoka eZinki, ane chaji yakadara (positively charged zinc ions) anokatanura mhodzigetsi mbiri dzinobuda kuwaya yekunze, iwo manondanhoka eZinki achipinda mushurushuru. Manondanhuka esalfeti ane chaji yakahwarara (negatively charged sulphate ions), anokwezverwa kumwenzanhuka weZinki. Izwi rokuti kunhoka rinotodzana nemazwi anoti kudoka kwezuva (sunset).

Magetsi anodzika achipinda muNyere yaGalvani kumwenzagetsi weKopa. Nokudaro mwenzagetsi uyu uchanzi mwenzanhoka - uyu unonzi cathode kuEnglish. Shoko reEnglish rokuti cathode rinoreva way down. Kudivi irori, manondanhoka eKopa ane chaji yakadara (positively charged copper ions) anogashira mhodzigetsi mbiri dzinobva muwaya yekunze - iwo manondanhoka eKopa anenge achibva mushurushuru anokwatikira pamwenzanhoka reKopa. Manondanhoka eHydrogen ane chaji yakadara (positively charged hydrogen ions) anokwezverwa kumwenzanhoka reKopa.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti nonda riri kuturikira chinonzi ion kuEnglish iro rinodudza kuti I go or that which goes. Pahuwandu tichati manonda. Kuti nonda nenzira inyaudzosingwi inoreva kutevedza nzira usingatsauke.
  • Pachinyorwa chino, izwi rokuti mwenza (passage, a way) rinoreva nzira kana mukana unokwanisa kudaritsa zvinofamba kana kuyerera.

Tarisai chinyorwa chinonzi chikukuragetsi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvichida mazwi ari pas ayo anokwanisa kuturikira chinonzi anode kana cathode.

  • Herero inoti pita (v. go out, come out, spring out, come forth, go forth, rise out, pass outward) kureva kubuda.
  • VaHerero vanoti omapitiro (outlet) zvichireva nzira yokubudisa. VaHerero vanoti omahitiro (inlet) zvichireva nzira yokupindisa.
  • VaKongo vanoti kota (to enter, to come in, to pass in, penetrate, flow in, sink in, set as the sun). VaKongo vanoti kotwa (to be entered).