Svetuka kuchirochemo

Dapi

Kubva Wikipedia
Dapi

Dapi (n. Otomys irroratus) imhando yembeva. Dapi rinowanikwa kuchamhembe kweAfrica munzvimbo dzine madeve nehuswa.

Dapi rine musoro muhombe, nzeve diki nemuskwe mupfupi. Mvere dzepadenga dzine ruvara rungava rutema, rupfumbi kana brauni. Mvere dziri muhwamba dzine ruvara rupfumbu rwakasvipira kana rwakacheneruka. Minwe yose ine nzara uye minwe yeshure yakareba kudarika yekumberi. Hurefu rwemusoro nemvuviri hunosvika 160mm; muskwe wega unoreba 100mm. Mukono nehadzi zvose zvine huremu hunosvika 143.7g.