Svetuka kuchirochemo

Claris Kwaramba

Kubva Wikipedia
Claris Kwaramba
Horokodzwa yake:
Akazvarwa: 9 Gumiguru 1999
Zera: Makumimaviri-neshanu
Hurefu: 1.60 m (5 ft 3 in)
Usevenzi: mutambi wenetibhora
Usevenzi:
Nzvimbo: nyadzivachiwiro,
mudzvindakunda

Claris Kwaramba (akazvarwa 9 Gumiguru 1999) mutambi wenetibhora wechiZimbabwe anotambira chikwata chechidhidhizha cheZimbabwe, uye anotamba sa nyadzivachiwiro[C 1] (goal defense) uye sa mudzvindakunda[C 2] (wing defense). Aive chikamu chevatambi vechikwata chikuru cheZimbabwe mushure mekusarudzwa pamwe nevamwe vatambi vepasi pezera revakumivaviri-nerimwe vaimbotamba Sharleen Makusha na Sharon Bwanali kuti. Vakasarudzwa kuva chikamu chevatambi veMukombe wePasirose weNetibhora wa2019, panguva iyi chikwata cheZimbabwe chakapedza pachinzvimbo chechisere muMukombe weNetibhora wePasirose wa2019, zvikave chimaka chemunhoroondo pakuwanikwa kweZimbabwe kwekutanga mumutambo weMukumbo weNetibhora wePasirose

  1. nyadzivachiwiro., kureva goal defense
  2. mudzivarubapiro., mudzvindakunda., kureva wing defense