Chomutengure

Kubva Wikipedia

Pakauya varungu kuma1890, vakanga vaine ngoro dzerudzi rwemawagoni dzaidhonzwa nemombe dzakawanda kwazvo. Ngoro idzi dzaigadzirirwa nzira nevanhu vatema vaitema miti nekugobora. Vamwe vanhu vatema vakapihwa basa rekutyaira mombe dzengoro, uye vamwe vari vatungamiri vemombe dzacho. Kufamba kwengoro mavhiri adzo achitenderera chaive chishamiso chaicho kuvanhu saka ngoro dzemawagoni idzi dzakapihwa zita rekuti chomutengure. Kutengura zvichireva kutakura. Ndipo pakabva chimbo chinonzi Chava Chemutengure Vhiri reNgoro.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti butengu (n. disobedience, noncompliance) rinotaurwa mururimi rweLugwere kuUganda.
  • Izwi rokuti kutengula (v. entice, lure, tempt, decoy, appeal to; win somebody’s heart) rinotaurwa mururimi rweLugwere.
  • Izwi rokuti kutenguwa (v. refuse to do something when asked;disobey.) rinotaurwa mururimi rweLugwere.