Kumeso

From Wikipedia
(Redirected from Chiso (muviri))
Jump to navigation Jump to search
BillyPenn.jpg

Chiso, kumeso kana hope (Face) zvinoreva kumberi kwemusoro wemunhu kana mhuka kunova ndiko kune mhuno nemaziso. Chiso chemunhu chinotangira munoperera vhudzi.

  • Chombe (bone above the eye) apa kureva bvupa riri pamusoro peziso.
  • Chavovo (temple on the head) apa kureva kumativi emusoro kuri kuri kumusoro kwematama.
  • Manhanda (wrinkles on face).
  • Mhutu (cheek).

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mwana uyu ane chiso chakati baranganda - apa kureva chiso chakajeka chisina kurema, chemunhu anotaridzika seakasununguka.
  • Kusekera mumhutu (laugh without showing it; laugh up the sleeve).
  • Kuita mhutu (drink a mouthful) kureva kunwa zvinozadza mukanwa kamwe - kanonzi kamhutu.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaNyungwe vanoti nkhope (n. face) kureva chiso.
  • VaYao vanoti ngope (n. face) kureva chiso.
  • Mururimi rweChewa vanoti nkhope kana nkope (the face, countenance) kureva chiso.
  • VaFwe vanoti buso (front) kureva kumberi.