Chatemamhomho

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChisamhomho)

Chatemamhomho (mobocracy) izwi iri riri kushandiswa pachinyorwa chino kureva mutowo wematongero unotevedza zvinodiwa nemhomho iri panzvimbo.

Kududzwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti mobocracy rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: mob kureva mhomho, uye kratia kureva rule or strength. Saka kuShona chivakashure chokuti chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - sokuti Chatemamwari huri hutongi hunotevedza mitemo yaMwari. Tarisai zviri pasi pandima iri zasi yemitauro yeBantu kuti pane dudziro yemazwi okuti tema.

Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti mtemo (n. law) kureva mutemo. VaZigula vanoti kutema (v. to rule, govern) kureva kutema.
  • VaGogo vanoti utemi (right to rule; chiefdom, chiefship) kureva kodzero yokutonga uye hutongi.
  • VaGogo vanoti mtemi kana watemi pakuwanda (leader, rule) kureva mutongi.
  • VaIkizu vanoti -tema (rule over, reign) kureva kutonga. VaKabwa vanoti omutemi (n. ruler; leader) kureva mutungamiri.