Svetuka kuchirochemo

Chisamararo

Kubva Wikipedia

Chisamararo (kureva punctuation kuChingezi)[1] izita rezvimakiso zvinoshandiswa pakunyorwa kwe zvinyorwa. Zvinoshandiswa kupatsanusa mazano mumitsetse. Zvisamararo zvinoita kuti kuverenga uye kunzwisiswa kwe zvinyorwa kuvenyore.

Zvisamararo kuChishona

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvisamararo zvinowanikwa kuChishona, parizvino Chishona uye mitauro yose inosanganiswa kutsi kwezita iri hayina keruro yadzo yekunyoresa. Dzose dzinoshandisa keruro ye Chiratini. Mashandisirwo ezvisamararo muChishona anokwanisa kuenzaniswa nemitauro ye Ezhiya senge Chichayina, Chijapani, Chikoriya nemimwe mitauro. Zvimwe zvisamararo zvakavakiwa kumitauro sezvinoitwa mumitauro yarevwa pamusoro.

Somuenzaniso munhu anokwanisa kuziva mubvunzo nokuona shoko rokuti 'here'. Izvi zvinowanikwa wo kumitauro yataurwa nezvayo, kuChijapani vanoshandisa 'ka', kuChichayina vachishandisa 'ma' zvichingodaro. Izvi hazvirevi kuti zvisamararo zvekuratidza hazvidiikwe, zvinobetsira kuti kuverenga kuve kuri nyore.

Mienzaniso ye Zvisamararo:

  1. . ichi chinganzi chimisidzo kuChishona, ndicho chinoiswa kwekuguma kwemutsetse.
  2. , ichi chinganzi chitsautso, chinotsaurisa mashoko ne mamwe mashoko.
  3. ? ichi chinganzi chibvunziso, chinoiswa panenge pachibvunzwa chinhu.
    • kuChishona chibvunziso chakavakirwa mumutauro ndi here, munhu anokwanisa kusaisa chiratidzo chechibvunziso achikwanisa kurakidza kuti abvunza chinhu nekuisa 'here' kwekupedzisira kwemubvunzo wake. Somuenzaniso, 'Auya here?' kana 'Auya here.' chinosiyana kuisa chiratidzo chekubvunzisa.
  4. ! ichi chinganzi chiyoweretso?
  5. ' i-aprostophe, chinganzi chii paChishona?
  6. " ichi chinganzi chidzupurisamanzwi, nekuti chinoshandiswa kurakidza paye panenge pashandiswa mashoko emumwe.
  7. : i-colon
  8. ; i-semicolon
  9. ... i-ellipsis mark
  10. - i-hyphen
  11. i-en dash
  12. i-em dash
  13. ( ) ma-parentheses or curved brackets
  14. [ ] ma-brackets or square brackets.

Mabviro eruzivo:

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  1. Vashona project, 30 Chikunguru 2015,'punctuation' yakaringwa 1/29/2024