Svetuka kuchirochemo

Chirumanzu

Kubva Wikipedia
Musha wemurimi nembesa

Chinyorwa ichi chinoongororawo nzira dzekugadzirisa matambudziko anosangana nevarimi vekwa chirumanzunokuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze dzinosanganisira kurima kunochengetedza ivhu (conservation agriculture), kurima miti (agroforestry), kuchengeta zvipfuyo (integrated livestock-crop systems), pamwe nekusimudzira kubereka kwevhu zvakanaka (integrated soil fertility management)[1]. Pamusoro pezvo, chinyorwa ichi chinotarisawo nzira dzekushandisa nekuchengetedza ivhu zvakanaka sekuravanisa zvirimwa muminda (crop rotation), kufukidza ivhu kuti risanyanya kuoma nehuswa kana majanga (mulching), pamwe nekuchengetedza mvura (water conservation)[2]. Kushanduka kwemamiriro ekunze kuri kuisa hupenyu hwevarimi panjodzi huru, zvikuru kumaruwa uko kurima kuri hwaro hwekuraramisa vanhu [3]. Sezvo mamiriro ekunze ave kusafungidzirika, varimi vari kusangana nekuderera kwegoho rezvirimwa, kuparara kwe zvipfuyo uye hutano hwevhu, uye njodzi yekushomeka kwechikafu.[2]

Zvinyorwa zvakashandiswa

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  1. Marongwe, L. S., Nyagumbo, I., Kwazira, K., Kassam, A., & Friedrich, T. (2012). "Conservation agriculture and sustainable crop intensification: A Zimbabwe case study.". FAO Integrated Crop Management, 17 via Food and Agriculture Organization.
  2. 1 2 Intergovernmental Panel on Climate Change (IPCC) (2022). "Climate Change 2022: Impacts, Adaptation and Vulnerability. Contribution of Working Group II to the Sixth Assessment Report of the Intergovernmental Panel on Climate Change". Cambridge University Press.
  3. Food and Agriculture Organization of the United Nations. (2013). "Climate-smart agriculture sourcebook". Rome: FAO.