Chitaka

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChiropa)

Chitaka kana chiropa (Liver in English) inhengo yakakosha yemuviri inowanikwa pamhuka dzine muzongoza nedziwewo ndudzi dzemhuka. Nhengo iyi inemabasa akawanda anosanganisira:

  • Kubvisa tsvina inenge yakatakurwa neropa kubva mumuviri.
  • Kuumba protein.
  • Kugadzira mishonga inodikanwa pakuwotesa chikafu.

Chitaka chinotodiwa kuti munhu ararame, pari zvino hakuna nzira yokutsiva kusavepo kwechitaka kwenguva yakareba. Kusukwa kweropa muChipatara kunochenesa ropa kwenguva pfupi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chitaka (Strong material) vachireva nhumbi yakasimba.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]