Chirandu

Kubva Wikipedia

Mazviita Moyo Chirandu Gonoren'ombe mushayachirashwa Chiri kudanga ganyamatope Mukaka tinonwa,mafuta tichizora Nyama tinodya Ganda tichikakisa ngoma Ndove tinodzurisa mudzimba Muswe tinopumhisa Nyanga tichiita gonan'ombe Maita Gonyohori Matake Vakatakira nedzavamwe paruware Gono raMutindi naGochedza Vari Maronga neUshava Vari Muduma neChiduma Mushenjere waVaduma usina pakaminama Pakaminama tinoorora Vamarera nherera vanorera nedzevamwe Ndikafira pano wani Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo Chinondiona sechinameso Navaripowo namangwana musanyara By TT