Chikopo-kopo

Kubva Wikipedia

Chikopo-kopo (n. helicopter) mushina unobhururuka asi wakasiyana nendege. Zita remushina uyu rinobva paruzha rwunoitwa nemushina uyu. Chikopokopo chine bapiro guru rinotenderera riri pamusoro pechivakwa chinopinda vanhu.

  • Kadidiya (a helicopter; a small plane?) zvinoreva chikopo-kopo.

Kuumba Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zita rokuti helicopter rakaumbwa nezvikamu zviri zvinoti: helico kureva spiral; uye pteron kureva wing. Saka pakuda kuumba izwi rekuturikira helicopter pachada izwi rinoreva kutenderera uye bapiro.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaWanga vanoti okhutitiya (v. become smaller; fewer; decrease). Mamwe mazwi: omutiti kana abatiti (little; small; few).
  • Maconde inoti lupapa (n. wing) kureva bapiro. Kiwanga inoti atiti (adv. a little; slightly).
  • Kinande inoti ipapa (n. wing) kureva bapiro.