Svetuka kuchirochemo

Boy's Kaya

Kubva Wikipedia

Boy's Kaya imba yekuseri yaigarwa nemunhu aishanda mugadheni padzimba dzeVarungu Zimbabwe isati yawana kuzvitonga. Nguva zhinji boy's kaya yaiva nerhumu imwechete nechimbuzi nenzvimbo yekubikira. Imba iyi yakanga isina kuvakirwa munhu ane mhuri kana anogara nemhuri pamusha ipapo; yakanga yakanangana neuwo anoshandira murungu chete. Izwi rokuti boy's kaya rakaramba richishandiswa Zimbabwe yawana kuzvitonga, asi nekufamba kwenguva mamwe mazwi akapindawo. Mazuvano kwave nemazwi anoti koteji kana chinyada. Koteji inogona kuva imba yakaenzana neboy's kaya uye ichishandiswa nenzira imweyo - asi inokwanisawo kuva imba huru pane boy's kaya, ine marhumu akawanda.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]