Bhora Musango

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti bhora musango (decampaigning someone) rinotaurwa kureva apo munhu ari mubato rezvamatongerwo enyika anenge achifukura hapwa dzebato rake, achiramba kushambadzira bato rake mune zvakarurama zvaro. Panzvimbo yekuti mumiriri webato mudunhu rekuvhota ataure mashoko anokwezva vanhu kuti vavhotere bato rake, anoshanduka achitaura mashoko anoita kuti vanhu vavenge kana kusema bato rake.

Chiitiko ichi chinonzi chakaitika pavhoti yegore 2008 apo panonzi vamwe vamiriri veZanu-PF vakaramba kushambadzira mukuru wavo vaRobert Mugabe kuti vange vachivhoterwa kuva mutungamiri wenyika. Kunonzi ivo vamiriri pachavo vakanga vazvishambadza kuti vavhoterwe asi vaisada kuti vaMugabe vadzokere pakuva mutungamiri wenyika.